Ko nhai vanhu, nyaya yokupfugamira murume munoiwonawo sei? Tokumbirawo kunzwa mafungiro evarume vedu. Unoda here kuti mukadzi wako akupfugamire kana kuti haudi. Zvinorevei kwauri kuona mukadzi achipfugama?
Mumagariro edu amazuvano zvichiri kuita here kuti tinopfugamira varume vedu kana tiri tega uye kana pane veri kushanya? Zvinoonekwa sei nevanobva kune dzome nyinya. Zvinokudzwa nevanozviona here kana kuti zvinomhurisa? Iyi mibvunzo yatinoda kuzama kupindura as tisati taipindura tiudzeiwo mafungiro enyu mese varume nevakadzi mudzimba. Kana usina murume kana mukadzi tiudzewo kuti kana wazova naye unofunga kuti zvinofanira kuitwa sei.
Ini kazhinji ndinoona sokuti mafungiro emurume wangu akakosha kupfuura angu saka kana akataura zvaanofunga zvikasiyana nezvandinofunga toita zvaanofunga iye. Asiwo iye kazhinji anoda kuti tiite zvandinofunga saka anoramba achibvunza kuti “Ndizvo here?” kana ndikati ndizvo, onyarara. Ndikati handizvo, toramba tichitaura nyaya yacho.
Murume akati fongora, hazvinei kuti ndange ndichifunga maitiro api, kungofongora pasina mubvunzo zvinoitwa zvoitwa tofadzana takadaro, asi pamwe anobvunza kuti unodei. Ndotaura zvandinoda. Iniwo ndikamutangira kubvunza kuti anodei zvaataura ndizvozvo.
Tongai tinzwe vanotonga. Mese varume nevakadzi.