Kune zvikonzero zvakawanda zvinoitisa mukadzi arambe kusvirwa nemurume wake. Hazviiti kuti tizive chikonzero chemukadzi tisina kumbotaura naye asi zvimwe zvacho ndeizvi.
1. Murume haanaki:
Kusanaka kwemurume kazhinji kunobva pakukasika kutunda. Vakadzi vakawanda vanonakirwa nokuiswa nguva refu sekuti kubva pakupinzwa mboro kusvika pakuzopiwa hurume ngazvipfuure 5 minutes. Ukakwanisa kusvika kuma 7min uko zvirinani chose. Pota uchizorora uchikisana nemukadzi wako nekumubatabata muviri wake.
2. Kusageza:
Murume anonhuwa muviri, muromo, doro, fodya, hapwa, haanakidze kurara naye. Kana wapiwa mvura geza. Kana shawa iripo geza usati wanorara. Kwesha mazino.
3. Kushoropodza mukadzi:
Zvinobvisa zemo. Taridza mukadzi rudo nguva dzese. Potawo uchitumira mukadzi zvinofadza pafoni yake, nokumuzevezera munzeve.
4. Kugwadziwa pakuiswa:
Kana mukadzi ane chirwere kana kuti asinganyorovi, zvinorwadza kupinzwa mboro.
5. Murume asingazivi kumbotamba nemukadzi:
Zvinhu zviya zvinoda mambotamba mese musina kupfeka.
continue reading on the next page..
6 Pasina rudo:
Mukadzi kana asingadiwi anokasira kuziva kuti haadiwi. Hazvinakidzi kuisana nemurume asingakudi, ipapo iwe hauna kwekuenda. Zvangofanana nekubatwa chibharo.
7. Kuneta:
Kana mabasa emumba akawandisa mukadzi anoneta zvekushaya simba rekuzoda kuisana nemurume. Batsira mukadzi mabasa kuti muwane nguva yekusvirana.
8. Kana mambohurirana:
Ukahurira umwe wako akazviziva, zvinovhundutsa kuzorara newe. Wana mukana wekutaridza umwe kuti zvapera hauchazvipamhi. Asi kashoma kuhura wozorega.
9. Zvigwere:
Mukadzi akaita chirwere chechihure anokwanisa kuramba kusvirana nemurume asi asingadi kuudza murume chikonzero.
10. Mimba:
Vamwe vakadzi vakaita mimba vanokwanisa kuvenga murume. Asi zvichapera.
Kungosvirwa same style zuva nezuva, zvinobhowa. Pota uchisiyanisa. Ndizvo zvimwe zvezvikonzero. Usafosa munhu kurara newe.