Nzira dzekubvisa mweya we small-house mudzimba dzenyu! Vanamai mudzimba umo chemberai panyama dzenyu kwete parudo. Varume ipwere kuvanyaradza huvaridzira ngoma yavanofarira. Murume ndewenyu amai asi garai makamurisa kugona bhusvumanhi kuipira mashanga mudanga mayo haife yarara musango.
1: murume anoda kuremekedzwa mumba.
2: murume wenyu muitei kunge mave negore rese musinaye misi yose. Izvi zvinobata pakumutambira nguva dzese paanobva kubasa kana kupizvako.
3: munofanirwa kubatana zvinyoro nyoro mopuruzirana parudo hapana tajairana tambai chikudo chemhando yese izvi zvinobatsira kubvisa pfungwa dzemunyika muchiisa dzemumba menyu.
4: ndiro yababa vanongopakurirwa chero nguva yavada kana imiwo mai pamadira haina time table kunge bhora. Kazhinji kacho varume vanotoda kuitwa zvekujumiwa chaiko vasingatombofungidzire kuti muwane win. Pakurirai murume wenyu nemhando dzakasiyana siyanawo mukambovapa kasadza nepadivi mombotiwo kamurivo padivi mombotiwo murivo wese yacha pamusoro pesadza zvekutoti vanotozosvika pasadza vatozviruma rurimi kana kuisa muriwo muzhinji pasi pesadza moisa kamuriwo kashomanana pamusoro zvekuti pavanenge vonzwa kuti vave kuda kuguta vobva vati nyengu mumuriwo zvino voita zvekunhanzvira nhanzvira kunge nyoka. Baba kana mavapa zvinonaka munovaona nekunhanzva maoko kunekakupera simba mukati.
5. Izvi zviri kwese manje: kana mapedza kudya panenge pave kudawo kudetembawo chidawo chemitupo yenyu kana vari mhofu amai mobva maite kudoba chaiko kunge mutupo wenyuwo.
6: hutsanana: iyiwo irikwese zvakare asi vanamai shongedzekaiwo musamirire kuzogeza baba vadzoka kubasa chete kugeza kakawanda hakusungisi garai muchinhuwirira mvura chete kwete kungo pushira raw-on muhapwa. Mumukamwa ngamugare makakwesha kwete zvekuzoti baba vanozodya vakatarisa kudivi kana kuzokiswa padama kunge musikana webasa. Vanababa doro inwai asi kwete kuzonhuwa doro ramanwa nekuti chikafu chese chapinda mudumbu yatove tsvina.